Sangano revanorarama ne HIV/AIDS reZimbabwe National Network for People Living with HIV and AIDS, ZNNP+, rinoti richatanga mabasa ekuti nhengo dzaro dzizviriritire zvichitevera kuwana kwaro rubatsiro rwemari inoita $90 million kubva kukambani yeAnchor Yeast Holdings.
ZNPP+ ichange ichipihwa mari inoita $15 million pamwedzi woga woga kwemwedzi mitanhatu nekambani iyi.
Chikamu chekutanga che$15 million chakatopiwa kusangano iri svondo rapera.
Sangano iri ratiwo imwe yemari iyi, ichashandiswa pakuumba hutungamiri hwematunhu mumatunhu anoti Mashonaland East, Matabeleland South, Midlands, Manicaland, Bulawayo neMasvingo.
ZNPP+ inoti iri kutendawo zvikuru kambani yeAnchor Yeast Holdings sezvo iri kambani yemunyika yaripa rubatsiro urwu.
Rubatsiro rwuzhinji rwanga rwuchibva kumakambani nemasangano ekunze kwenyika.
VaBenjamin Mazhindu, vanowe sachigaro weZNNP+ vaudza mutori wenhau weStudio7, Jonga Kandemiiri kuti vachaonawo kuti vanga batsira here vana venhengo dzavo nekuvabhadharira mari dzechikoro.