Vatungamiri vesangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, vati vakanyorera hurumende neChipiri tsamba vachiizivisa nezvekuda kwavo kuramwa mabasa.
Vadzidzisi ava vati havasi kutambira kuwedzerwa kwemari dzemihoro nezvikamu mazana matatu kubva muzana, 300%, kwakaitwa nehurumende.
Varairidzi ava vati kana hurumende ikatadza kuvapa zvavari kuda, vachatora matanho akakodzera.
Mutemo unoti vanhu vanenge vachida kuramwa mabasa vanofanirwa kuzivisa hurumende pachine mazuva gumi nemana ekuti vaite izvi.
Hurumende yakawedzera vashandi vayo mari dzemihoro nezvikamu mazana matatu kubva muzana izvo zviri kuita kuti mudzidzisi wepasi awane $84 000.00 pamwedzi.
Asi varairidzi vanoti vanoda kuti mari dzavo dzitangire pamamiriyoni matatu emadhora pamwedzi, sezviri kudiwawo nevakoti.
VaRaymond Majongwe vanowe munyori musangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe vaudza Jonga Kandemiri weStudio7 kuti vari kuita hurukuro nemamwe masangano anomirira varairidzi kuitira kuti vataure nezwi rimwe chete.