Mumiriri weMbare muparamende, VaGift Chimanikire, vasarudzwa kuva nhengo yeparliamentary caucus yeNational Council yeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.
VaChaminikire, avo vakanga vari mutevedzeri wemunyori mukuru we MDC isati yapatsanuka, vakanga vambobatana nechikwata chinotungamirwa naVa Arthur Mutambara.
VaChimanikire vakazodzokera ku MDC inotungamirwa naVa Tsvangirai, mushure mekunge vaona kuti kuramba vari kuchikwata chaVa Mutambara, hakuna zvakwaibatsira kwavari.
Pavakadzoka kubato iri, VaChimanikire vakatambirwawo senhengo isina chinzvimbo. Patience Rusere weStudio 7 atanga nekubvunza VaChimanikire kuti chii chapa kuti vave nhengo ye national council?