Vamwe vana mukoti muzvipatara zvehurumende vakandawo mapadza avo pasi, vachiti mari yavari kutambira haisi kuvakwanira.
Mashoko atatambira anoti vana mukoti vari kuramwa mabasa, ndeve muzvipatara zve Harare General Hospital, Chinhoyi Hospital, zvipatara zve Mpilo ne United Bulawayo Hospitals muBulawayo, Chitungwiza General Hospital, Bindura General Hospital pamwe nechipatara cheMasvingo.
Asi mutungamiri we Zimbabwe Nurses Association, Amai Doreen Choruma, varamba kuti vana mukoti vari kuramwa mabasa, asi kuti chete vari kushaya mari dzekufambisa kuenda kumabasa.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura navana mukoti vemuzvipatara zvine vana mukoti vari kuramwa mabasa.
Asi mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro nemumwe mukoti ati anonzi B. Mutema, uyo anoshanda paHarare General Hospital pamusoro pedanho ravatora iri.
Tichiri panyaya yezviri kuitika muzvipatara, vana chiremba vachangopedza chikoro, nevakuru vavo, vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa, uko kwapinda musvondo rechitatu.
Mashoko atiri kutambira anotiwo vana chiremba vemazino vachangotanga basa, vabatanawo navana chiremba ava pakuramwa mabasa.
Dr Amon Siveregi mumwe wevamiriri vaana chiremba vakanda mapadza pasi. Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro nava Siveregi kuti tinzwe zviri kuitika muzvipatara.
Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...