Kuoma Kwezvinhu Kwotadzisa Varairidzi Vekumaruwa Kuenda Kumabasa

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti varairidzi vakawanda neChipiri vakatadza kuenda munzvimbo dzavanoshandira mushure mekushaiwa mari dzekufambisa.

Sangano iri rinoti kuoma kwezvinhu munyika kwava kuita kuti varairidzi vachangopedza zvidzidzo, avo vakaendeswa kuzvikoro zviri kure nekumisha yavo, vatadze kuenda kumabasa.

Hurumende yakazivisa kuti ichawedzera vashandi vayo mari dzavanotambira nezvikamu zvakapetwa katatu, 300%, asi varairidzi vanoti vari kuda kuti vawedzerwe nezvikamu mazana masere kubva muzana, 800%, pamari dzemihoro, zvikamu chiuru nemazana mashanu kubva muzana, 1500%, pamari dzekubatsirikana pakufambisa uye zvikamu chiuru kubva muzana, 1000%, pamari dzekubatsirikana pakubhadhara dzimba.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou vanoti sangano ravo riri mushishi kusangana nevabereki kuti vaite chirwirangwe munyaya dzedzidzo munyika.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...