Hurumende Yotyira Kuti Mapurisa neMauto Angangoratidzira

Hurumende yave kutyira kuti kuratidzira kuri kuitika munyika kunogona kupararira kumauto nekumapurisa, avo vanonzi havasi kufara nemari dzavari kutambira uye kushaya zvekushandisa pabasa.

Mamwe mapurisa nemasoja ataura neStudio 7 anoti anoda kuti awedzerwe mari dzavanotambira nechikamu chiuru kubva muzana, 1000%, sezvo vari kuomerwa nehupenyu, sezviri kungoitawo munhu wese munyika. Asi hurumende inoti inokwanisa kuvawedzera nezvikamu mazana matatu kubva muzana, 300%.

Bato reMDC rinoti rine humbowo hwekuti masoja nemapurisa atove kuratidzira asi achienda kubasa, uko vasiri kushanda nemazvo. Mapurisa nemauto akawanda anonziwo ari kunyora tsamba dzekuti vaende pamudyandigere.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vakatenda kubepanhau reZimonline kuti mapurisa ari kuomerwawo nezvinhu sezviri kuitwa munhu wose, nekudaro vamwe vavo vave kusiya basa.

Hatina kukwanisa kutaura naVaSydney Sekeramai, gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, sezvo vange vasingadavire mbozhanhare yavo.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda neCrisis In Zimbabwe Coalition vanoti zvekupa vakuru vakuru vemauto mari yakawanda nemapurazi hazvishande kana mauto epasi achinonga svosve nemuromo.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...