Gurukota rezve matunhu nekusimudzirwa kwemaguta, VaIgnatius Chombo, vakayambira masangano anoshanda akazvimirira oga, kuti asaite mabasa ari kunze kwemitemo yemashandiro awo.
VaChombo vakati mamwe masangano akazvimirira oga aya, ari kuita mabasa anoda kukanganisa mashandiro akanaka ehurumende, vakapawo muenzaniso wemamwe masangano avakati ari kupa maredhiyo kuvanhu nekumwaya mapepa ane chekuita nezvematongerwo enyika.
VaChombo vakati kana munhu aine chido chekubatsira hurumende, anofanirwa kutanga atsvaga mvumo yekuita izvi, uye kuzivisa makanzuru emunzvimbo dzaanoshandira.
Asi masangano akazvimirira oga aya anoti haana zvaari kukanganisa mumafambisiro aari kuita mabasa awo, asi kuti hurumende ndiyo iri kukundikana kuita zvizhinji zvainenge yakatarisirwa kuita, izvo zvava kupa kuti itsvage uta nemugate.
VaFambayi Ngirande, avo vanoona nezve kufambiswa kwemabasa musangano reNational Association of Non-Governmental Organisations vaudza Studio 7 kuti masangano akazvimirira oga acharamba achibata basa semabatiro aari kungoita, zvisinei nemashoko aVaChombo aya.