Vashandi ve ZESA vakanda mapadza pasi, mushure mekutadza kuwirirana nevatungamiri vekambani iyi, pamari yavanotambira.
Vashandi ava vanoti vari kuda kuti mushandi anotambira mari yepasi, ange achipihwa mari inoita mazana matatu ezviuru zvemadhora ($300 000) pamwedzi. Pari zvino vashandi veZESA vanotambira mari iri pasi pasi, vari kutambira zviuru makumi maviri nezvitatu zvemadhora ($230 000) pamwedzi.
Vashandi ava vanoti vari kuomerwa nehupenyu, izvo zvapa kuti vakande mapadza avo pasi.
Sangano rehurumende re Central Statistical Office rinoti kuti munhu ararame zvakanaka, anofanirwa kunge achitambira mari inopfuura mazana maviri nemakumi mana ane zvishanu emadhora, ($245 000) pamwedzi.
Kunyange hazvo nzvimbo zhinji mumaguta dzagara dzichingodzimirwa magetsi, kubudikidza nehurongwa hwekuisa magetsi munguva dzakasiyana mudzimwe nzvimbo, kana kuti load shedding, mashoko atiri kutambira anoti manheru eChitatu nzvimbo dzakawandisa, dzakanga dzisina magetsi zvachose Mu Harare nemu Bulawayo.
Vatungamiri veZESA vakaudza bepanhau reHerald kuti kubiwa kwetambo nezvimwe zvinoshandiswa neZESA, ndiko kuri kuita kuti michina yeZESA itadze kushanda zvakanaka.
Va Ian Munjoma ndivo munyori musangano revashandi ve ZESA, re Zimbabwe Electricity and Energy Workers Union. Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba ataura nava Munjoma kuti tinzwe kuti zvii zvapa kuti vakande mapadzi pasi, panguva ino.