VaMajongwe Votyisidzirwa Pamusoro Pemaredhiyo Akapihwa  Nhengo Dzesangano Ravo

Munyori wesangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vari kutambira nhare dziri kubva kuvanhu vasinga zivikanwi vachivatyisidzira zvichitevera kuburitswa panhepfenyuro dze ZBH, nyaya yekuti sangano ravo rakapa pachena nhengo dzaro maredhiyo anoshanda nezuva.

Nhepfenyuro yeZBH nemuvhuro yakaburitsa kuti varairidzi vakawanda mudunhu reMasvingo vakapiwa maredhiyo aya nePTUZ kuitira kuti vakwanise kunzwa kana nhepfenyuro dzinoshanda dzakazvimira dzoga, dzozivisa voruzhinji panenge popandukirwa hurumende.

Asi VaMajongwe vati izvi hazvivakanganisi mukushanda kwavo sezvo vasiri ivo voga vatanga kupa zvinhu pachena, vakapawo muenzaniso waVaMugabe avo vari kupa ma computer pachena.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...