Poita Hondo yeMitero Pakati peAmerica neChina

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri wenyika yeAmerica Va Donald Trump nemutungamiri weChina Va Xi Jinping.

Hondo yekutengeserana yatanga pakati peChina neAmerica zvave kutyirwa kuti zvinogona kuita kuti mitengo yezvinhu ikwire zvakanyanya munyika mbiri idzi.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump ndivo vakatanga kutemera China zvirango vachiti haina zvairi kuita kumisa nyaya yekutengeswa kwezvinodhaka kuAmerica kubva kunyika iyi.

VaTrump vakawedzera mitero yezvinotengwa kubva kuChina nezvikamu gumi kubva muzana kutanga nhasi.

China yazivisawo kuti ichawedzerawo nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana pane zvimwe zvainotengesa kuAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kutaurirana pakati peAmerica neChina ndiko kwega kunga pedze gakava iri iri rinogona kundengendetsa hupfumi hwepasi rose.

"Tiri kutarisira kuti nyika mbiri dzeChina neAmerica dzitaurirane kuitira kuti pave nekugadzikana kwehupfumi, uye kuti mitengo yezvinhu isarambe ichikwira munyika mbiri idzi," VaMasocha vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha