Starlink Yonyorera POTRAZ Kuti Iwane Rezinesi reKushanda muZimbabwe

zambia starlink internet thumbnail

Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe kana kuti POTRAZ inoti Starlink, kambani yeimwe shoroma yekuAmeric VaElon Musk yakavanyorera ichida rezinesi rekubvumidzwa kushanda munyika zviri pamutemo.

Elon Musk

Starlink ine humhizha wemasaisai nehumhetura mukufambiswa kwemashoko kana kuti internet.

Mukuru wePOTRAZ Droctor Gift Machengete vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti kambani yeStarlink yakavanyorera kuti inoda rezinesi uye ine hofisi munyika. Pange pave nemashoko ekuti hurumende iri kurambidza kambani iyi kushanda munyika .

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Gift Machengete

Asi Dr Machengete vati ichi handichokwadi, “Aiwa ayo manyepo, manyepo nekuti isu hatirambidze vanhu vanenge vachida kushanda nesu. Inga President (Emmerson Mnangagwa) vakataura wani vakati “Zimbabwe is Open for Business.”

Kambani yeStarlink yakatanga kushanda muAmerica musi wa 27 Gumiguru 2020 uye yave munyika makumi manomwe nenhatu. muAfrica iri kuKenya, Eswatini, Malawi, Zambia, Mozambique, Benin, Rwanda, Nigeria nedzimwe.