Vanhu Vanomwe Vachatora Mhiko Kubatsira Mutongi paNyaya yaVaTrump Vasarudzwa

Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari mudare muNew York.

Vanhu vanomwe vadomwa nhasi kuManhattan, New York kuti vabatsire mutongi wedare VaJuan Merchan kutonga vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump.

Kuti nyaya itange kutongwe muAmerica, panoda vanhu gumi nevaviri nevanwe vatanhatu vanenge vakagadzirira kuita basa kana paine zvinenge zvaitika kune vanenge vasarudzwa.

Mutongi wenyaya iyi nevachuchusi uye magweta aVaTrump ndivo vari kubatsirana kutsvaga vachabatsira ava vanova vagari vemuNew York.

Kwakatanga kuine vanhu makumi mapfumbamwe nevatanhatu asi vakawanda vakatodzoserwa kumba.

Vanosarudzwa vanenge vari vanhu vasina divi ravanorerekera panyaya iyi uye panotariswawo zvavanonyora pamadandemutande akasiyana siyana.

Vasarudzwa kusvika parizvinio varume vana nemadzimai matatu.

Asi nemusi weChitratu dare richambotora befu rozotanga kusarudza vanhu ava nemusi weChina.

VaTrump vari kupomerwa mhosva yekubhadhara mari dzevhara muromo kuti nyaya dzavari kupomerwa dzekuita zvepabonde nemamwe madzimai dzisabuditswe kuruzhinji.

VaTrump vanonzi vaiita izvi kuti vakwanise kukunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaTim Muringai, vesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, vanoti pane zvizhinji zvingadzidzwa munyaya yekuendeswa kumatare kwa VaTrump, vachiti izvi zvinoratidzawo kuti muAmerica hapana ari pamusoro pemutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Tim Muringai