Madzimai ekuWatsomba Osungirwa Mhosva Yekuti Vakasveeredza Amai Mnangagwa

Mamwe madzimai mapfumbamwe akasungwa svondo rapera achipomerwa mhosva yekusveeredza mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa kuWatsomba Business Centre ari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare zvakare kupera kwemwedzi uno.

Madzimai aya anonzi ainge atadza kuwana zvimwe zvaipihwa vanhu pachena naAmai Mnangagwa.

VaEmmerson Mnangagwa, nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa

Mapurisa akavaendesa kujeri reMutare Central akavapomera mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law (Cofification and Reform) Act vachinzi vainge vachida kukonzera nyonganyonga. Asi madzimai aya ari kuramba mhosva iyi achiti akatanga kubuda paiitirwa musangano uyu Amai Mnangagwea vave kutaura chete kwete kuti vaivasveveredza.

Muna 2017, vamwe vechidiki veZanu-PF vakamiririrwa nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vakasungwa vachinzi vainge vasveveredza Amai Grace Mugabe, vaive mudzimai wemutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe.

VaMugabe panguva iyi vakashora VaMnangagwa vaive mumwe mutevedzeri wavo vachiti ndivo vainge vatuma vechidiki ava.

Gweta remadzimai aya VaTatenda Sigauke vanove nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti vanofunga kuti vachawanikwa nedare vasi mhosva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTatenda Sigauke

Gweta uye vakarerekera havo kuZanu-PF Doctor Masimba Mavaza vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nemadzimai aya kutyora mutemo wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMasimba Mavaza