Vamwe Vabereki Vane Vana Vane Autism Vodzidzisa Veruzhinji Pamusoro peDambudziko Iri

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mwedzi uno waKubvumbi mwedzi weyeuchidzo yechirwere che autism.

Apo pasi rose riri kucherechedza mwedzi uno waKubvumbi unove mwedzi wekutambira kuvepo kwechirwere che autism, weAutism Acceptance Month, vamwe vabereki vane vana vane chirwere ichi vanoti zvakakosha kuti pave nedzidziso pamusoro pedambudziko iri sezvo vazhinji munyika vasina ruzivo nezvaro.

Mumwe mubereki ane mwana mudiki ane dambudziko iri, VaLuke Pencil, vanoti zvakatora nguva yakareba kuti vanachiremba vemunyika vavaudze kuti mwana wavo ane chirwere ichi, vachiti vakatozoziva mwana wavo ave nemakore manomwe.

“Saka naizvozvo isusuwo nekurwadziwa kwatakanga taita nerwendo rwedu takatiwo aah, dambudziko iri idambudziko risiri kuzivikana munyika medu because dzimwe nguva taienda muzvipatara vanachiremba navamukoti vasina kana ruzivo rwekuti mwana wedu ane dambudziko ripi.”

Nekuda kwaizvozvo, VaPencil vanoti zvakavapa shungu yekuti vatange kudzidzisa vamwe vabereki pamusoro pechirwere ichi kuburikidza nedandemutande reFacebook papeji ravo rinonzi “Talking Autism in Zimbabwe,” senzira yekuti dambudziko iri ribude pachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLuke Pencil