Magweta aVaMnangagwa Oramba Kuti Vakatyora Mutemo Pakudoma VaMushayavanhu saGavhuna weRBZ

Gavhuna weRBZ Doctor John Mushayavanhu

Magweta emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ari kuramba kuti vakatyora mutemo pakudoma gavhuna weRBZ VaJohn Mushaya vanhu kunyangwe vaine zvimwe zvikamu mubhanga reFBC.

Pamutemo, hapana anofanira kudomwa kuita gavhuna weRBZ aine zvikamu mune rimwe bhanga.

VaMnangagwa vari kumirirwa naVaEdwin Manikai avo tisina kukwanisa kubata sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Asi mukuzeya nyaya iyi, tabata VaKossam Ncube, gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vari kumiririra vamwe vadzidzi veZinasu vakaendesa VaMnangagwa kumatare vaudza Studio 7 kuti vachiri vakamirira kupihwa humbowo hwekuti VaMushayavanhu vakaisa hupfumi hwavo mumaoko evamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMika Kamungeremu