RBZ Inoti Vanhu Vachine Masvondo Matatu eKudzosera Mari Yakare Vasati Vatanga Kushandisa ZIG

New Zimbabwe Currency, The ZiG

Reserve Bank of Zimbabwe inoti vanhu vane mazuva makumi maviri nerimwe ekuti vaendese mari dzemaZimbabwe dhora kumabhanga vachipihwa itsva ichangoparurwa inonzi Zimbabwe Gold kana kuti ZIG.

Asi mamwe makambani anonzi ari kutarisirwa kuti anenge apedza hurongwa uhu nemusi weChishanu. Makambani akawanda ari kungobhadharisa nemari dzekuAmerica chete parizvino.

Mari itsva iyi yakonzera gakava munyika vamwe vachiti inoshanda vamwe vachiti wave mugariro musoro wetsuro kushaya nyanga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano vanoti kana hurumende iine chivimbo nemari yeZIG inofanira kubhadharisa vanhu mapasipoti, mafuta ekufambisa dzimotokari nemitero nemari iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano

Chipangamazano cheRBZ vari nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaPersistence Gwanyanya vanoti izvi zviri mugwara uye zvichaitwa pashoma nepashoma.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPersistence Gwanyanya