Helen Suzman Foundation Yopikisa muDare rePamusoro Soro Kudzingwa kweZvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa.

Aaron Motsoaledi

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHelen Suzman Foundation kana kuti HSF ratura magwaro kudare repamusoro soro reConstitutional Court kuSouth Africa richipikisa zvakaturwa kudare iri negurukota rezvemukati menyika VaAaron Motsoaledi zvekupikisa mutongo wekuti vasadzinge munyika iyi zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zviuru zana nemakumio masere kana kuti 180 000 zvine magwaro ekugara zviri pamutemo munyika iyi anozibikanwa nekuti Zimbabwe Exemption Permits.

Matare epasi akapa mitongo yekuti VaMotsoaledi havana kunge vatevedzera mutemo pakuda kutora danho iri.

Mumagwaro kudare reConstitutional Court, mukuru mubazi rezvemukati menyika VaLivhuwani Tommy Makhode vakati dare repamusoro raifanira kuonawo kuti VaMotsoaledi vainge vazotaura nevanhu vachivazivisa nezvainge zvoitwa nehurumende kunyangwe havo vange votogadzirira kudzinga vanhu ava.

SF inoti haisi kuramba kuti VaMotsoaledi vane simba rekumisa chirongwa ichi asi nekuda kwekuti chinobata hupenyu hwevanhu vakawanda zvakakosha kuti zviitwe zviri pamutemo.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum Advocate Gabriel Shumba vaudza Studio 7 kuti havaone VaMotsoaledi vachibudirira kudare iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGabriel Shumba