Amnesty International Yokurudzira Hurumende Kuti Iumbe Komisheni Inoferefeta Kutsakatika KwaItai Dzamara.

Sheffra Dzamara, Mudzimai wa Itai Dzamara, nemwana wake.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International riri kukurudzira hurumende kuti iumbe komisheni yakazvimirira yoga inotungamirwa nemutongi asina divi raakarerekera kuti iferefete kutsakatika kwakaita murwiri wekodzero dzevanhu itai dzamara.

Dzamara akatsakatika musi wa 9 Kurume mugore ra 2015 mushure mekupambwa nevanofungidzirwa kuti vasori muHarare. Mapurisa akavimbisa kuvatsvaga asi kusvika parizvino hapana chabuda.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakavimbisawo United Nations kuti hurumende iri kutsvaga kwakaenda Dzamara. Asi kusvika parizvino hama dzake dzinoti hadzina kana kunzwa kubva kuhurumende.

Mukuru we sangano re Amnesty International, mudunhu rekuchamhembe kweAfrica Amai, Vongai Chikwanda vanoti ikodzero yemhuri yekwa Dzamara kuziva kwakaenda hama yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmaVongai Chikwanda.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rezvekuburiswa kwemashoko VaRichard Mahomva vaudza Studio 7 kuti Amnesty International haina kodzero yekudza hurumende zvekuita.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na VaRichard Mahomva