Gwenyambira Nyamasvisva weChikwata cheMawungira eNharira Ochemachema neKushomeka kweVanhu Vachiri Kufarira Musambo weMbira

Chikwata chembira cheMawungira eNharira

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita rombo rakanaka rewana hurukuro nagwenyambira ane mukurumbira, Wilfred Tichaona MaAfrica, uyo anonyanyozivikanwa nerebasa rekuti Nyamasvisva.

Nyamasvisva, uyo anotungamira pamwe nekuimba nechikwata cheMawungira eNharira, anoti ave nemakore akawanda ari mune zvekuimba nziyo dzepasi chigare izvi.

Asi anoti zvinhu zvachinja kubva kumakare avaive nevakawanda vaitevera musambo wechinyakare uyu, izvo zvaanoti hakusisina mukore uno.

Your browser doesn’t support HTML5

VHIDHIYO YEKUONA-MAWUNGIRA ENHARIRA

Anoti kuburikidza nebasa rake rehugwenyambira, iye nechikwata chake vafamba nyika dzakawanda pasi rino vachiridza kumagungano akasiyana siyana.

Anochemawo kuti pari zvino munyika hamuna nhepfenyuro dzichiri kunyanya kuridza musambo wake uyu, achiti vechidiki vemazuvaano vave kufarira mimhanzi yechizvino zvino.

Nyamasvisva anotiwo vanoda kuridzirwa nziyo dzembira nehosho kumitambo yavo yakasiyanasiyana kusanganisira mapira, midzimu, kana mamwe magungano akasiyana siyana, michato kana kurova makuva vakasununguka kumubata panhamba dzerunhare dzinoti +263 772 211 610

Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano paStudio 7 tibatei paWhatsapp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Nyamasvisva