Vakoti neVamwe Vashandi vemuZvipatara Voronga Kuramwa Mabasa Apo Cholera Iri Kupararira

Zimbabwe Health Strike

Vashandi vemubazi rezvehutano, kuburikidza negungano ravo reHealth Apex Council, vanoti vachakanda mapadza pasi kubva nemusi weChina kana hurumende ikasavawedzera mari uye kuvapa zvikwanisiro.

Mutsamba iri mumaoko eStudio 7 kuHealth Services Commission vashandi vati mari yavari kutambira yave shoma nekuda kushaya simba kwedhora remunyika zvekuti kuenda kubasa ratove dambudziko.

Sachigaro weHealth Services Commission Dr Chris Pasi vaudza Studio 7 kuti vange vakabatikana nebasa nekudaro vange vasina kusungunuka kutaura. Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnock Dongo vatiwo vange vari mumusangano.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri , varambawo vakamira nerekuti titaure naDr Pasi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDonald Mujiri