VaBiden naVa Trump Vanotarisirwa Kukunda Nhasi Musarudzo dzeDunhu reMichigan

VaJoe Biden na VaDonald Trump

Vagari vedunhu reMichigan muAmerica vari kuvhota nhasi musarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato eDemocratic Party ne Republican Party musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi gore rino.

Dunhu iri rinokosha zvikuru musarudzo sezvo richinetsa kuziva kuti rinokundwa nebato ripi pakati pemaDemocrats nemaRepublicans.

Asi vatungamiri vemapato awa, VaJoe Biden, veDemoctratic Party, naVaDonald Trump, veRepublican Party vakatarisana nematambudziko makukutu.

Zvikwata zviviri zvevatungamiri veRepublican Party mudunhu iri zviri kurwira hutungamiri hwebato iri izvo zvakonzera kuti chikwata chimwe nechimwe chiite sarudzo yacho chega.

KumaDemocrats, mutungamiri wenyika, VaJoe Biden vakatarisana nedambudziko revamwe vatsigiri vebato ravo vechi Arab neve chiMoslem, avo vakawanda mudunhu iri, vari kuronga kusavhotera vachitsutsumwa nemabatiro avari kuita hondo pakati peIsrael neHamas muGaza.

Asi kunyangwe paine zvimhingamupinyi izvi, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaFrenk Guni vanoti vanoona havo VaBiden naVaTrump vachikunda.

Amai Nikki

VaDean Phillips naAmai Marrianne Williamson ndivo vari kukwikwidza VaBiden ukuwo Amai Nikki Haley vachikwikwidzana naVaTrump.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaFrenk Guni