South Africa Yakundwa neMali kuAfrican Nations Cup

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutsigiri weMali

Chikwata cheSouth Africa nezuro chakakundwa 2-0 neMali kumakundano eAfrica Nations Cup ari kutambirwa kuIvory Coast. Zvikwata izvi zviri muGroup E.

Mugungano rimwe chete iri, Namibia yakakunda Tunisia 1-0. Mali ndiyo yatungamira ichiteverwa neNamibia. Zvikwata zviviri zvinenge zviri pamusoro ndizvo zvinoenda muchikamu chechipiri.

Mune mumwe mutambo, chikwata cheBurkina Faso chakunda Mauritania 1-0. Muwongorori wenhau dzemitambo Thandazani Zimbwa audza Studio7 kuti, "Vazhinji vange vakatarisira kuti mutambo uyu wanga uchizoguma uri mangange asi Burkina Faso iyo irikutamba kekutanga mumakwikwi aya yakwanisa kufadza vatsigiri vayo nekukunda 1-0,"

Zimbwa aenderera mberi achiti, "Mitambo yatambwa parizvino iri kuratidza kuti zvimwe zvikwata zvisati zvave nemukurumbira zvinokwanisa kutora mukombe wegore rino sezvo zvimwe zvikwata zvinogaro kunda mumakwikwi aya zviri kutatarika."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naThandazani Zimbwa