Nhengo yeCCC Yakapambwa neMugovera kuMabvuku Inowanikwa Yakafa kuMapurazi Ari kuActurus

Nhengo dzeCitizens' Coalition for Change dzinoti dziri kushungurudzwa.

Imwe nhengo yeCitizens' Coalition for Change (CCC) yakapambwa nemusi weMugovera kuMabvuku nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori pamwe nevatsigiri vebato reZanu PF, VaTapfumaneyi Masaya, vawanikwa vakafa nekunofungidzirwa kuti kupondwa vakakandwa kumapurazi eku Acturus.

Mumwe wevavakapambwa pamwechete navo, VaJeffrey Kalosi, vakawanikwa kupurazi reChabwino riri kunze kweMabvuku neTafara vakarohwa zvakaipisisa, uye pari zvino vari kurapwa pane chimwe chipatara muHarare.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti kana nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvinoreva kuti yave kuferefetwa uye vatori venhau vachaziviswa kana paine zvinoda kuziviswa veruzhinji.

Asi vaburitsa gwaro rinoti vakanhonga mutumbi wemunhu akafa kumapurazi ekuActuras kwawanikwa VaMasaya.

Vari kumirira bato reCCC kuMabvuku-Tafara musarudzo dze by-election, VaFebion Munyaradzi Kufahakutizwi, vanoti vaenda kunoona mutumbi wakawanikwa nemapurisa, vakaudza Studio 7 kuti mutumbi uyu ndewaVaMasaya chero zvavo mapurisa ati achiri kutsvakurudza kuti ndewaani.

VaKufahakutizwi vachakwikwidzana naVaScott Sakupwanya veZanu PF naVaDavid Chitimbe vebato reChangu Chimuti Chapinda Chapinda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurujkuro na Va Febion kufahakutizwi.

Mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti bato ravo harineyi nezviri kuitika muCCC uye rakamirira kukunda sarudzo dzema by-election.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukurio naVaFarai Marapira

Zvichakadaro, mutauriri waVaTshabangu, VaKhaliphani Pugeni, vakaudza Studio 7 kuti pane dzimwe nhengo dzeparamende dzainge dzisingafaniri kudzingwa dzakaita saVaMunyaradzi Kufahakutizwi vekuMabvuku.

Mutevedzeri waVaTshabangu, VaAlbert Mhlanga, vaudza Studio 7 kuti vari kuronga kugadzirisa zvakaitika izvi.

Mutauriri weCCC, VaPromise Mkwananzi, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzebato ravo dzainge dzisingatombofaniri kudzingwa kuparamende sezvo VaTshabangu vasiri nhengo yeCCC.

Nhengo dzeCCC makumi maviri nenhatu dzakadzingwa kuparamende, gumi nena muNational Assembly nepfumbamwe kuSeneti mushure mekunge VaTshabangu vanyora kuparamende vachiti vainge vasisamirire zvido dzebato ravo.

CCC iri kupikisa nyaya iyi uye pari zvino yave kudare reSupreme Court .

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya.