Zimbabwe Yokurudzira Kuti Chisungo cheUN Chekugarisana Pakati peIsrael nePalestine Chizadzikiswe

UN General Assembly

Hurumende yeZimbabwe nezuro yakaburitsa mashoko ichikurudzira kuti Israel nezvikwata zviviri zvemuPalestine zvairi kurwisana nazvo zvinoti cheHamas neIslamic Jihad vazvidzoreredze sezvo paine madzimai nevana vakawanda vari kufa.

Mutauriri mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaLevit Mugejo vaudzawo Studio 7 kuti hurumende iri kukurudzirawo kuti chisungo cheUnited Nations chekuti Israel nePalestine dzive nyika mbiri dzinogarisana kana kuti two “state solution” chizadzikiswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLevit Mugejo

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti Zimbabwe ionewo kuti yabatsira zvizvarwa zvayo zviri munyika iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza

Hondo pakati peIsrael neHamas iri kuonekwa zvakasiyana nenyika dzepasiri rino idzo dzatanga kutora mativi. America nenyika dzakawanda dzemuEurope iri kutsigira Israel.

Asi vamwe vakaita seChina neRussia vari kukurudzira nhaurirano pane vari kurwisana ava. Iran iti kutsigira Israel.