Muimbi weNziyo Dzechinyakare, Nancy Nasibo Mutize, Okokwa Kunoridza kuMutambo Mukuru weVisa For Music 2023, kuMorocco

Nasibo Mutize

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi we musambo we mbira ne hosho dzechinyakare, Nancy Sibonginkhosi Mutize, anozivikanwa neremagitare rekuti Nasibo.

Nancy anoti akatanga zvekuimba nezvikwata zvevamwe vaimbi vane mukurumbira kusanganisira Jah Prayzah naDumisani Ngulube, muimbi wekuSouth Africa, achidziira kuridzawo kuridza zvakasiyanasiyana. Iye zvino anoridza mbira.

Parizvino ane kambo kari kufadza vanhu kanonzi “Chiri Mudenga."

Nasibo akakokwa kumutambo mukuru wemimhanzi weVisa for Music 2023 uchaitirwa kuMorocco uchaitwa muna Mbudzi wegore rino, uyo unoitwa gore rega rega nechinangwa chekubatanidza vanagwenyambira, vaimbi nevanogadzira mimhanzi kuti vapanane mazano mumabasa avo muAfrica.

Your browser doesn’t support HTML5

Vhidhiyo ya Nasibo Mutize

Nasibo audza Studio 7 kuti uyu mukana wakakura kwazvo wekuti iye nechikwata chake vazvishambadze uye kuti vapindewo munzira itsva nekuwedzera mikana yekuvaka hukama nehushamwari nevamwe vari mune zvemimhanzi.

Zvichakadaro, muimbi uyu anoti kuenda kuchiitiko ichi kuMorocco kunoda mari yakawanda sezvo achifanira kuzviunganidzira ega mari dzekufambisa, dzepekugara, dzekudya nezvimwe zvaanogona kuzoda.

Mimhanzi yake iri pamadandemutande akaita seYoutube, Spotify neFacebook.

Vanoda kumubata kana kumubatsira murwendo rwake rwekuMorocco, Nasibo anogona kuwanikwa pakero yetsambambozha inoti nasibomusiczim@gmail.com, uye nharembozha yake inoti +263 782 899 772.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na Nasibo Mutize