Sangano reUnited Nations Rotsvaga Mabhiriyoni Matatu eMadhora eKuti Ribatsire Vanhu vemuSudan neZvikwanisiro

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

South Sudan Refugees From Sudan

Sangano reUnited Nations rinoti riri kutsvaga mari inosvika mabhiriyoni matatu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$3 Billion, yekuti ritsvage zvikwanisiro zvinosanganisira chikafu, zvekupa vanhu vemuSudan avo vakatarisana nehondo yakatanga mwedzi wapera.

Sangano iri rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemashanu (25 million) muSudan vari kutarisana nedambudziko rekushaya zvikwanisiro nekuchengetedzeka kwakanaka nekuda kwehondo iyi.

Hondo iyi yave nemwedzi ichienderera mberi pasina vanoda kuremekedza kurudziro yerunyararo iri kubva kumasangano akadayi seUnited Nations neAfrican Union.

Nhumwa dzemapato maviri echiuto ari kurwisana muSudan dziri kuSaudi Arabia pari zvino, uko dziri kuita nhaurirano yekuyedza kuti rubatsiro rwezvekudya nezvikwanisiro kuti zvikwanise kupinzwa munyika iyi pasina njodzi.

Nyika dzakawanda kusanganisira nyika yeZimbabwe, dzakatoburitsa zvizvarwa zvadzo zvainge zvichishanda muSudan pnekuda kwehondo iyi, iyo iri kuramba ichienderera mberi.

Doctor Urayayi Zembe

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reDmocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti zvakakosha kuti masangano akadayi seUnited Nations neAfrican Union nemamwe abatane mukuramba achikurudzira runyararo munyika iyi.

"Chinodiwa pari zvino ndechekuti masangano eUnited Nations neAfrican Union arambe achikurudzira vechiuto vari kurwisana muSudan kuti vamise hondo uye paitwe sarudzo inokwanisa kudzosa hutongi hwejekerere kune veruzhinji vemunyika iyi," VaZembe vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaUrayai Zembe