Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vaudza bepanhau reSunday Mail kuti mangwana vari kuparura imwe mhando yemari inonzi “digital gold tokens.”
VaMangudya vanofunga kuti mari itsva iyi ichabatsira kudzikamisa dhora remunyika iro roshaya simba zvakanyanya zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Vati mari iyi inenge iine chinangwa chimwe chete neimwe inonzi “Mosi-oa- Tunya gold coins” iri kutenderera pari zvino.
VaMangudya vati vanhu vanokwanisa kushandisa mari iyi kuchengetedza mari yavo. Vanoti mari itsva iyi inokwanisa kutengwa nemunhu wose kwete “magold coins” anonzi anotengeserwa vashoma.
Asi zviri kuitwa nehurumende zvinoshanda here? Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi enyika vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Godfrey Kanyenze vati havaone mari iyi ichishanda nekuti vanhu havana chivimbo neRBZ uye zviri kuitwa zvakamboyedzwa nemagold coins zvikashaya pundutso.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze