ZERA Inodzikisa Mutengo weDhiziri Rinotengwa neMari yeKunze

  • Jonga Kandemiiri

ZERA inoti mutengo wedhiziri rinotengeswa memari yekunze waderedzwa

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, yazivisa kuti yaderedza mutengo wemafuta edhiziri rinotengeswa nemari yekuAmerica nechikamu chimwe chete nezviga zvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 1.9 percent parita.

Mutengo uyu wadzikiswa nemasendi matatu ekuAmerica uchibva padhora rimwe chete nemasendi makumi matanhatu nemana, kana kuti US$1,64, parita kuenda padhora rimwe chete nemasendi makumi matanhatu nerimwe, kana kuti US$1.61 parita kutanga nhasi kusvika musi wa 05 mwedzi unouya.

Asi ZERA yazivisa kuti mutengo wedhiziri mumadhora emunyika wakwira kubva pa ZWL$1, 546.59 kuenda paZWL$1, 756.24 parita.

AMutengo wepeturu unonzi hauna kushanduka.

Mutengo wemafuta epeturu hauna kushanduka, kwese kumadhora emunyika nemadhora ekuAmerica.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuderera uku kwakonzerwa nekudererawo kwemutengo wedhiziri pasi rose.

Asi vanoti kunyange hazvo mutengo wedhiziri wadzikiswa nemasendi matatu, havaoni vezvitoro vachideredzawo mitengo nekuti kuderera uku hakuna kunyanya kukura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara