Mutungamiri weNyika VaMnangagwa neMutevedzeri Vawo VaChiwenga Vobatwa muDandemutande reHuwori muKucherwa kweKuromu muNyika

Gwaro reThe Sentry rinonzi Spincash riri kutaura nezvehuwori mukucherwa kwekuromu munyika.

Vanhu vakawanda munyika vanoti havasi kufara nezvaburitswa mugwaronhau reThe Sentry pamusoro pehuori hunobata mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwengwa.

Gwaronhau iri rinonzi Spincash Machine, uye rinoratidza kuti mumwe muzvinabhizimusi wekuSouth Africa, VaZunaid Moti, vari mudande mutande rehuori hunobata mari inosvika zana nemakumi maviriemamiriyoni emadhora ekuAmerica.

Huwori uhu hunonzi hwakaitika panguva iyo mauto akapindira mune zvematongerwo enyika muna Mbudzi 2017, izvo zvakaona vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, VaRobert Mugabe, vachimanikidzwa kusiya basa.

Mushure mekuwana bhizinesi munyaya dzesimbi yeChrome, VaMoti vanonzi vakabhadhara mari inosvika mamiriyoni matatu kumapurazi anonzi ane chekuita naVaMnangagwa naVaChiwenga.

VaChiwenga naVaMnangagwa

Vamwe vanobatwa mudandemutande rehuori iri ndiVaGeorge Chiweshe, avo vanova mutongi wedare repamusoro, pamwe naVaKudakwashe Tagwirei, muzvinabhizinesi anonzi ane hukama naVaMnangagwa.

Kambani yeMoti Group yakatenga hupfumi hunosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana mukambani reAfrican Chrome Fields. Kambani iyi inonzi yakapihwa basa rekudyidzana neZimbabwe Defense Industries apo VaMnangagwa vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika muna 2015.

Zimbabwe Defense Industries inonzi yakapa basa mwanakomana waVaMnangagwa kuti ave chipangamazano chayo, achibhadharwa mari yakawandisa, mari iyi ichibva kuMoti Group.

Gwaro iri rinodomawo VaLishon Chipango, avo vanonzi vaive maneja mumakambani aVaChiwenga. VaMoti vanonzi vakabhadhara mari inosvika mamiriyoni maviri kukambani yaiva pasi paVaChipango.

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vati magwaro ari kubuda aya ari kuratidza pachena zviri kuitwa nevakuru muhurumende.

VaFarai Maguwu

Vanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati zvaburitswa negwaro iri zvinosuwisa.

Nyanzvi inoshanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe ive nemasangano akasimba mukurwisa huori.

Mutauriri weZimbabwe Anti Corruption Commission Amai Thandiwe Mlobane, vati havasati vawana gwaro rabudiswa neThe Sentry .

Mumwe wevatevedzeri vevatauriri veCitizens Coalition for Change, VaFelix Mafa, vati zvabuda mugwaro iri hazvivashamisi vachiti vanogarotaura kuti hupfumi hwenyika hwagwadamiswa nevarikutonga.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kuhurumende sezvo tatadza kubata gurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe nemunyori mubazi iri, VaNick Mangwana.

Nyika inonzi iri kurasikirwa nemari yakawanda mukubiwa kwezvicherwa.

Asi vachitaura mushure mekubuda kwetsvakurudzo yakaitwa neAl Jazeera, Amai Mutsvangwa vakati hurumende ichaongorora nyaya iyi pamwe nekuona kuti vese vanobatwa nemhosva vanotongwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezvicherwa VaWinston Chitando kanawo kunzwa kubva kubato reZanuPF.

Asi bepa reHerald rinoti kambani yeMoti Group yaramba nyaya dzehuori idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Rutendo Mawere