Hurumende Inoti Yakagadzirira Kupa Vanoda Kutepfenyura Marezinesi Asi Ichiti Vakurudzire Runyararo

Amai Monica Mutsvangwa


Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti nhepfenyuro dzemunharaunda kana kuti community rado stations dzinofanirwa kukurudzira runyararo pamberi pesarudzo uye vakagadzirira kupa mamwe makambani anotepfenyura nhau marezinesi.

Vachitaura svondo rapera neMugovera muChinhoyi, pakuvhurwa zviri pamutemo kwenhepfenyuro yePlatinum FM, Amai Mutsvangwa vakati zvakakosha kuti nhepfenyuro dziparidze shoko rerunyararo. Platinum FM inhepfenyuro iri pasi pehurumende.

Mutungamiri webato rinopikisa reNew Innovative Mordenisation Front-NIMF, VaPeter Munyanduri vanoti idanho rakanaka ratorwa rekuvhura nhepfenyuro muChinhoyi vachiti vanotarisira vezvematongerwo enyika vanopikisa saivo kuti vachawana mukana wekunzwikwa munzvimbo dzavagere.

Imwe nhengo yebato reCitizen Coalition for Change -CCC- Muzvare Abigail Sauti vanoti nhepfenyuro iyi inofanirwa kupa mapato ose ezvematongerwo enyika mukana wekunzwikwa muChinhoyi.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, Muzvare Mugijima vanoti vanotarisira kunzwa nyaya dzebudiriro, dzekurima pamwe nezvinenge zvichiitika munharaunda.

Platinum FM iyo yakatanga kutepfenyura iri kuKariba yakauya muChinhoyi mwedzi wapera uye inonzwikwa munzvimbo zvikamu makumi manomwe kubva muzana mudunhu reMashonaland West.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena