VaMnangagwa Voudza Britain Kuti Vatambira Kukokwa Kwavo Pakugadzwa kwaMambo Charles III

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa nhasi kuti vaudza Britain zviri pamutemo kuti vachaenda kunyika iyi pachanogadzwa zviri pamutemo Mambo Charles weChitatu nemusi wa 6 Chivabvu. Pakafa Mambokadzi Elizabeth, VaMnangagwa havana kukokwa nekudaro vainge vakamiririrwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava.

Vatungamiri venyika dzaive pasi pehutongo hweBritain kunyanya dziri mugungano reCommonwealth nevatungamiri venyika dzakawanda vakokwa kumusangano uyu. Asi mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden havasi kuenda uye vanenge vakamirirwa nemudzimai wavo Amai Jill Biden.

Vamwe vedzimba dzehumambo kubva kuDenmark, Belgium, Japan, Norway nedzimwe nyika vari kuuendawo pakunotambidzwsa tsvimbo kwaMambo Charles weChitatu.

Mutauriri mubazi rezvekudyidzan nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vati kukokwa uku kwakakosha kuZimbabwe sezvo kuri kuratidza kuti donzvo rayo rekuda kudyidzana nenyika dzose riri kushanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaLivit Mugejo

Asi nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika VaRicky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vanoti havaone VaMnangagwa vachigadzirisa hukama neBritain nedzimwe nyika vakasaita sarudzo dzakachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvinafundo Ricky Mukonza