Muna 2022 Iran Yakauraya Vanhu Mazana Mashanu neMakumi Masere neVaviri (582) Vainge Vatongerwa Rufu

IRAN-RIGHTS/EXECUTION

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti re kuNorway reIran Human Rights nere kuParis rinonzi Together Against the Death Penalty anoti gore rapera chete, Iran yakauraya vanhu mazana mashanu nemakumi masere nevaviri, 582 vainge vatongerwa rufu.

Huwandu hwevasungwa vaurayiwa hwakawedzera nezvikamu makumi manomwe nemashanu kubva muzana kana kuti 75% kubva muna 2021.

Masangano aya anoyti charango chekutongera vanhu rufu ichi chinopihwa nechinangwa chekuda kumbunyikidza vanhu.