VaSikhala Vasvitsa Mazuva Mazana Matatu Vari muChikurubi

Job Sikhala

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende vari nhengo yeTripple C VaJob Sikhala vasvita mazuva mazana matatu kana kuti 300 days vari mujeri reChikurubi vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nematare kuti vatongwe vachibva kumba.

VaSikhala vakasungwa musi wa 14 Chikumi 2022 vachipomerwa mhosva yekuda kupesvedzera mhirizhonga mushure mekupondwa kweimwe nhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali kuChitungwiza.

Muzvare Ali havasatiwo vavigwa sezvo mhuri yavo iri kuti vacharadzikwa cheta kana VaSikhala vanove gweta remhuri vaburitswa muhusungwa.

Vari mujeri VaSikhala vakazopomerwa dzimwe mhosva dzekuda kupidigura hurumende zvekare muna 2020. Asi vari kuramba mhosva dzose idzi. Vayedza kuti dare rivape mukana wekubvisa mari yechibatiso kanodarika gumi neshanu asi matare achiramba.

Rimwe gweta ravaSikhala, richishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaJeremiah Bhamu vati kugariswa kwaVaSikhala mutirongo kwenguva yakareba kuda kunotyorwa kodzero dzavo.

Izvi zvatsinhirwa nevakafanobata chigaro che mutauriri webato re CCC, Muzvare Fadzayi Mahere. Murwiri we kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano re Zimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere vashora matare edzimhosva nekwavati kumbunyikidzwa kwe kodzero dzaVaSikhala.

Mukuru wezvekufambiswa kwemashoko mubato riri kutonga re ZANU PF, VaTafadzwa Mugwadi vakamboramba kuti kusungwa kwaVaSikhala kune zvematingerwo enyika mukati. Mashoko aya anotsnhirwawo negurukota rinoona nezvemitemo vaZiyambi Ziyambi vanoti matare akazvimirira.

VaSikhala vanotarisirwa kumira pamberi pedare zvakare musi wa 28 mwedzi uno. Vari kupota vachirwarwara vari kuChikurubi uko kunonzi hakuna hutsanana hwakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Evans Zininga