Amai Kamala Harris Vasvika muGhana Nhasi

  • Blessing Zulu

Kamala Harris Accra

Mutevedzeri wemutugamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris vasvika muGhana nhasi murwendo rwavo rwekushanyira Africa vachitarirwawo kuenda kuTanzania neZambia.

Vatambirwa muGhana nevana vechikoro vange vachitamba, kuimba nekuridza ngoma.

Amai Kamala Harris

Amai Harris vati chinangwa chavo chekuenda kuAfrica ndechekukurudzira nyaya dzekusimudzira hupfumi kuburikidza nekudyidzana uye kuti vanhu vawane zvekudya.

MuGhana hamunawo kunyatsogadzikana parizvino sezvo mudunhu tairi rekumawirira kweAfrica makapidigurwa hurumende nemauto kuBurkina Faso neMali.

Vanopfurikidza mwero vanodyidzana neAl-Qaida ne Islamic State vari kurwisawo kumaodznyemba kwenyika iyi.