Zanu-PF Yoita Politburo Kuzeya Nyaya yeSarudzo DzemaPrimary

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vanoti nhengo dzebato ravo dzine mhosva yadzakapara hadzisi kuzobvumidzwa kupinda musarudzo apo bato ratanga kupenengura vakati vari kuda kukwikwidza musarudzo dzemaprimary.

Nhasi dare Politburo riri kusangana kumuzinda webato iri muHarare kuzeya zviri kubva kuNational Elections Directorate yange ichipenengura mazita evari kuda kukwikwidza musarudzo.

VaMutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vanhu vashoma ndivo vakannzi vasakwikwidze nekuda kwezvipomerwa zvakasiyana siyana.