Hurumende inoti iri kuzoparadza zvivakwa zvose zvakavakirwa mumatoro muguta reHarare, kusanganisira zvibhorani zvakacherwa munzvimbo idzi.
Gwaro rakabva kumunyori anoona nezvedunhu reHarare, VaTafadzwa Muguti, rinoyambira vagari kuti imhosva kuzvigarisa munzvimbo dzakachengetedzwa dzakaita sematoro.
VaMuguti vakati danho iri riri kutevedzerwa zvichitevera musangano wakaitwa neChipiri apo vakuru vekanzuru pamwe nehurumende vanonzi vakaoneswa chitsvuku nenyaya yekuvakwa kwedzimba nazvibhorani munzvimbo dzisingabvumidzwi iyi.
Veruzhinji vakayambirwa kuti matoro ose emudunhu reHarare akaiswa pasi peboka reEnvironmental Management Agency, EMA, kuburikidza nedare remakurukota. Nekudaro, vakati hapana chivakwa kana kurimwa kunobvumidzwa mumatoro.
VaMuguti vakati hurumende inhengo kuzvibvumirano zvakawanda zvepasi rose zvinochengetedza matoro, nekudaro haizofi yakabvumidza kukanganiswa kwawo.
Ukuwo, makanzura ari kupomerwawo mhosva yekushandura matoro aya kuti avakirwe mabhizimusi nezvimwe zvakadaro, pamwe nekupa marezinesi ekucherwa kwezvibhorani mumatoro zviri kunze kwemutemo.
Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti zvinokatyamadza kuti hurumende inomirira kuti zvivakwa izvi zvitange zvasimuka yozoda kutora matanho, panzvimbo yekuzvimisa zvichatanga kuvakwa.
VaShumba vanotiwo zvinoshamisa kuti hurumende iri kuronga kuputsa zvivakwa panguva imwecheteyo yairi kuvimbisa vagari vakavakira dzimba mumatoro nemunzvimbo dzisingabvumidzwi kuti ichavawanisa magwaro ekuti dzimba dzavo dzive pamutemo, kana kuti Title Deeds.
Vanoti sangano ravo ratotanga kunzwa pfungwa dzevagari pamusoro pedanho rehurumende iri, vachiti vagari vazhinji vari kuti vanoda kuratidzira vachipikisana nedanho iri.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPrecious Shumba