Vanhu Vanoda Kusvika Zana (100) Vaurayiwa neCyclone Freddy kuMalawi neMozambique

Blantyre, Malawi, March 13, 2013.

Vanhu vanoda kusvika zana vanonzi vafa kuMalawi neMozambique nekuda kwemafashamu emvura nedutumupengo remhepo riri kuzivikanwa nekuti Cyclone Freddy.

Sangano rinopa rubatsiro pasi rose reRed Cross ranyora padandemutande raro reTwitter kuti vanhu makumi matanhatu nevatanhatu vafa kuMalawi vamwe gumi nevatanhatu vakatsakatika.

Dutumupengo Cyclone Freddy iri rakarova zvakare nyika yeMozambique nemusi weMugovera mushure mekunge rambonzi rapera.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vekuFrance veMétéo-France vanoti mafashamu emvura aya anogona kukonzera kuondomoka kwematombo kubva mumakomo zvinova njodzi huru kuvanhu.

Zambezia, Mozambique

United Nations iri kuyambira kuti vanhu mamiriyoni mviri nezviuru mazana matatu kana kuti 2,3 million vanogona kukanganiswa nemafashamu emvura aya muMozambique, Malawi neMadagascar.