Musangano weNJNC Pakati peVashandi veHurumende neHurumende Unotadza Kuburitsa Chimuko

  • Jonga Kandemiiri

ZCPSTU

Musangano weNational Joint Negotiating Forum, NJNC, waitwa muHarare pakati pevamiriri vevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende unonzi hauna kubuda nechisungo, sezvo vashandi vachinzi varamba zvakare kutambira zvaiswa patafura nehurumende.

Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano riri kumirira vashandi vehurumende munhaurirano idzi, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vanoti sevashandi, vane zvimwe zvavakumbira kuti hurumende igadzirise pane zviri kudiwa nevashandi zvaisati yatambira.

VaMushangu vanoti vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi atambiriswe madhora ekuAmerica mazana masere nemakumi mana, US$840.00, pamusoro pekuti hurumende izadzise zvimwe zvezvivimbiso zvayakapa.

Hatina kukwanisa kubata vari kumirira hurumende munhaurirano idzi.

Mapoka maviri aya anotarisirwa kusangana zvakare svondo rinouya nemusi weChina.

Musangano uyu uri kuuya panguva iyo vamwe vashandi vari pasi pesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, ARTUZ, vari kuramwa mabasa vachiti v anoda kuti mihoro yavo itangire pachiuru chine mazana maviri emadhora ekuAmerica pamwedzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGibson Mushangu