Musangano WeUnited Nations Wakanangana NeMadzimai Watanga Nhasi MuNew York

UN Logo

Zimbabwe iri kupinda mumusangano wechimakumi matanhatu nemanomwe, kana kuti United Nations 67th Session of the Commission On The Status Of Women watanga nhasi muguta reNew York.

Chikwata che Zimbabwe chiri kutungamirirwa negurukota rebazi rinoona nezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni. Hatina kukwanisa kubata Amai Sithembiso Nyoni sezvo nharembozha yavo yanga isingadavirwi.

Zimbabwe inotarisirwa kuratidza zvirongwa zvakanangana nemadzimai zvakadzikwa kubva muna 2017 pakatangaa VaEmmerson Mnangagwa kutungamira nyika.

Musangano uyu urikupavo Zimbabwe mukana wekuita hurukuro dzakadzama pamusoro pekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Gadziro Gwekwerere vanoti Zimbabwe yapiwa mukana wekuratidza zvayakaitira madzimai mumakore matanhatu apfuura. Vatiwo vanhukadzi vanokosha munyika, naizvozvo zvinofanirwa kuva pachena kuti vanobatwa zvakanaka uye vachipiwa mikana yekuita mabasa avanoda, vachienzaniswa nevanhurume.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Gadziro Gwekwerere.mp3

Musangano uyu uchapera nemusi weChishanu svondo rinouya, musi wa17 Kurume.