ZESN Inoti Mazuva Gumi eZEC Ekunonyoresa Vanhu Kuvhota Pedyo neDzimba Dzavo Mashoma

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwana sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network kana kuti ZEN VaAndrew Makoni, vanoti mazuva gumi anzi neZimbabwe Electoral Commission ichapinda muvanhu ichivanyoresa kuvhota pedyo nedzimba dzavo kana kuti mobile voter registration mashoma zvikuru pachitarisirwa basa ririr kuda kuitwa.

ZEC yaparura humwe hurongwa hwekuenda kuvanhu kunovanyoresa kuti vavhote kutanga musi weSvondo, svondo rinouya. Chirongwa ichi chinopera musi wa 21 Kurume.

Hurogwa uhu hwaziviswa nemukuru anoona nezvesarudzo kana kuti "chief elections officer" komisheni iyi VaUtoile Silaigwana mubepanhau reSunday Mail nhasi.

Kunyoreswa kuvhota musarudzo dzegore rino hunopera kwapera mazuva maviri kubva mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa pavanenge vatara zuva rekuvhota kana kuti proclamation.

ZEC inoti yanyoresa vanhu vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu kana kuti 6 million.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAndrew Makoni