Nyaya yekuwedzerwa kwezvirango negore kwakaitwa neAmerica pamwe neEuropean Union kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamwe vakuru muhurumende uye vamwe vavanodyidzana navo pamwe nekambani yehurumende inogadzira nekutenga zvombo yeZimbabwe Defence Industries yasimudza mutauro mukuru munyika, vamwe vachitsigira danho iri asi vamwe vachirishoropodza.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden neChitatu vakawedzera negore zvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vakuru muhurumende yavo vari kupomerwa mhosva yekutonga nedemo, kukanganisa hutongo hwejekerere uye kukanganisa kudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika.
VaMnangagwa vari kupomerwawo mhosva yekusatora matanho ekugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika uye kuvandudza hupfumi hwenyika kuti zvirango zvavakatemerwa izvi zvibviswe.
Nemusi weChipiri sangano reEuropean Union rakawedzerawo zvakare zvirango zvakatemerwa kambani yeZimbabwe Defence Industries nenyaya yekusatirimuka kwehurumende yeZimbabwe mukuzadzisa zvakakomekedzwa nekomisheni yakaferefeta kupfurwa kwevanhu mushure mesarudzo muna 2018.
Mireza yesangano reEuropean Union.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yebato reZanu PF, Doctor Simba Mavaza, avo vari kuBritain, vanoti kuwedzerwa kwezvirango uku hakuneyi nenyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu sezviri kutaurwa neAmerica neE-U, asi kuti kwakanangana nekuda kubvisa hurumende yakasarudzwa nevana veZimbabwe.
Doctor Mavaza vanoti zvakare hurongwa uhwu hwakanangana nekukanganisa sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.
Asi nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, avo vari mudunhu reOhio muAmerica, kuwedzerwa kwezvirango hachisi chinhu chitsva chekuti hurumende kana veZanu PF vangashamisika nacho, sezvo zvichiitwa gore negore kunyange makore anenge asina kunangana nesarudzo.
Muzvinafundo Masocha vanoti hurumende inofanirwa kungotevedzera zvacho zvainofanirwa kuita, uyewo yotevera nyaya yenhaurirano nenyika pamwe nemasangano zvakaitemera zvirango, kwete zvekuti vanhu vanongoungana kumuzinda weAmerica kana kumisangano vachiratidzira vachinyomba zvirango.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naProfessor Elliot Masocha pamwe naDoctor Simba Mavaza