VeCCC, MDC, Zanu-PF neZapu Vanoti Vatanga Kugadzirira Sarudzo Zvakasimba

VaMnangagwa &naVaChamisa

Mapato ezvematongerwo enyika akawanda anoti atanga kutsvaga rutsigiro zvakasimba pamberi pesarudzo dzegore rino kubva zvaburitswa mugwaro rehurumende reGovernment Gazette gwaro remiganhu ichishandiswa pakuvhota kana kuti delimitation report.

Asi mamwe magweta anoti kushandiswa kwegwaro iri musarudzo dzegore rino kunogona kuti netsei sezvo vachiti bumbiro remitemo rakatyorwa neZimbabwe Electoral Commission nehurumende.

Mamwe magweta anoongorora mashandiro edare reparamende eVeritas anoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Manngagwa havana kutevedzera mutemo pakusaburitsa nzvimbo chaidzo dzemiganhu yacho nemazita uye richiti ZEC yakanganisa pakuganhura matunhu sezvo isina kutevedzera mutemo zvichireva kuti kana zvose izvi zvisina kugadziriswa zvave kureva kuti pachashandiswa miganhu ya2008. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Imwe nhengo yeZanu-PF VaTonderai Chidawa vari kumirirwa negweta uye mutungamiri webato reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku vane nyaya ichiri kumatare yekuti zvakaitwa pakunyora gwaro iri zvaisava pamutemo sezvo kana mamwe makomishina eZEC akaramba kuri tambura.

Asi kunyangwe pachiine mhute, izvi hazvisi kutadzisa mapato ezvematongerwo enyika kuita gadziriro yesarudzo dziri kunzi dzinogona kuitwa muna Nyamavhuvhu.

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vanoti vatanga kugadzira masero avo kuitira kuti vatsigiri vavo vakwanise kunovhota. Vati vari kukurudzirawo vanhu kunoyoresa kuvhota.

Mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere vatiwo vari mundima uye vakaparura zvirongwa zvakawanda zvekuenda kumamisha nemudhorobha kutsvaga rutsigiro.

Mutauriri webato reZAPU, VaMso Ndlovu vati gadziriro yavo yakatanga kare kunyangwe vari kumbokanganiswa kutsvaga rutsigiro nemapurisa nevamwe veZanu-PF.

Sibazingilizwe Nkomo - son of late ZAPU leader Joshua Nkomo

Mutauriri webato reMDC rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora VaWitness Dube vati naivo havasi kusaririra shure segotsi vachiti vatotanga gadziriro dzekutsvaga vachamiririra bato iri musarudzo munyika yose.

Sarudzo idzi dziri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu gore rino. Sangano reUnited Nations, vekereke yeRoman Catholic, African Development Bank nemamwe mabhanga akakweretesa hurumende mari yairi kutadza kubhadhara ari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iite sarudzo dzakachena kana ichida kuti hupfumi hubve kumawere kwahwasvika hwakarembera nenzwara.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu