Zvimwe zvikwata zvenhabvu zvine mukurumbira munyika zvamisa mitambo yazvanga zvakaronga zvichityira dutumupengo Tropical Storm Freddy, iro rinonzi ranga richitarisirwa kusvika muZimbabwe chero nguva.
Izvi zvinotevera yambiro yakapiwa nevanoona nezvemamiriro ekunze, veMeteorogical Services, yekuti dutumupengo iri ringangorova Harare pamwe nematunhu eManicaland, Masvingo, Mashonaland East neMashonaland Central pamwe nedzimwe nzvimbo muMatabeleland South.
Asi mumwe mugari wemuHarare, VaLovemore Muyambo, vanoti Tropical Storm Freddy haisati yasvika muguta iri.
VaLovemore Muyambo veHarare.
Mumwe mugari wemuHarare vachibva kuWarren Park, VaVincent Bushu, vanoti Tropical Storm Freddy vari kungoita yekunzwa ichingotaurwa nezvayo.
Asi munyori mukuru weDynamos, VaWebster Marechera, vanoti vapa vatambi vavo nguva yekuzorora vachitarisa mamiriro ekunze.
Maneja wevatambi veCaps United, VaShakespere Chinogweny,a vanoti vamisa mutambo wekuedzana masimba neBlack Rhinos nemhaka yeyambiro yavakawana kubva kune vanoona nezvemamiriro ekunze.
Mutsigiri weCaps United, VaMunyaradzi Dalamanzi vanoti zvakanaka kuchengetedza hupenyu hwevatambi pane kuzoyeuka dumba wanaiwa.
Asi vakawanda vakamirira kutanga kwemitambo yenhabvu yemwaka uno.
Pari zvino, hapana ane ruziwo kuti makundano aya anotanga rinhi?
Asi mimwe mitambo iri kuenderera mberi kunyange hazvo paine yambiro yemamiriro ekunze asina kunaka, mutauriri weZimbabwe Cricket, VaDarlington Majonga, vachiti mitambo yeDomestic T20 iriko kusvika neSvondo.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Michael Kariati