VaNcube Voronga Musangano neVakakweretesa Nyika Mari Iyo Yotatarika Kubhadhara

Muzvinafundo Mthuli Mthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti nyika nemasangano ekunze akakakweretwa mari neZimbabwe achasangana musi wa23 Kukadzi kuzeya nzira dzekuti Zimbabwe ibhadhare mari inosvika mabhiriyoni matanhatu kana kuti US$ 6 billion yakawedzerwa pazvikwereti zvayakatora kunze nekutadza kubhadhara nenguva kana kuti maarrears.

Sangano renhau reReuters rati pamusangano uyu usati waziviswa kuti uchaitirwa pamadandemutande here kana kuti kwete pari kutarisirwa nyika dziri muParis Club, World Bank, African Development Bank neEuropean Investment Bank.

Zimbabwe yakatodoma vaimbova mutungamiri wenyika yeMozambique VaJoachim Chissano kuti vatungamire hurongwa hwekugadzira nyaya yezvikwereti iyi.

Kunyangwe hurumende ichiti iri kutadza kukwereteswa mari nekuda kwezvirango, mabhanga anokweretesa mari anoti kutadza kubhadhara zvikwereti ndiko kuri kupa kuti arambe kupa Zimbabwe imwe mari.

Munyika nekunze chikwereti cheZimbabwe chadarika mabhiriyoni gumi nemasere kana kuti US$18 billion.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vaudza Studio 7 kuti pasina kubhadhara zvikwereti zvairi kutatarika kubhadhara nekuratidzawo gwara rakajeka munyaya dzehutongo hwejekerere zvichanetsa kuti Zimbabwe ipihwe dzimwe mari dzezvikwereti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha