Mapurisa kuMaruwa eMutare Anonyima Bato reCCC Mvumo yeKuita Musangano Bato iri Richiti Richagadzirisa Zvacho Zvakanzi neMapurisa Rigadzirise

  • Jonga Kandemiiri

Tsamba yakanyorerwa bato reCCC nemapurisa.

Sachigaro vebato reCitizens' Coalition for Change kuMutare South, VaJack Robert Saunyama, vanoti bato ravo riri kugadzirisa zvakanzi nemapurisa vagadzirise pakunyimwa kwavo mvumo yekuti vaite musangano panhandare yeRowa kumaruwa eMutare neMugovera.

Tsamba yakabva kumapurisa iyi, iyo yaonekwawo neStudio 7, yakanyorwa nemukuru wemapurisa mudunhu reMutare Rural, Chief Superintendent P. Mbira.

VaSaunyama vanoti mapurisa akavanyima mvumo yekuita musangano wavo nezvikonzero zvekuti vakanga vasina kutevera mutemo pakuda kuita musangano uyu, uye munhandare maida kuitirwa musangano uyu makanga muine mitambo yenhabvu neMugovera.

Mpurisa anopomerwa mhosva yekurambidza misangano yeCCC.

Vanoti mapurisa akatiwo vamwe vemabhizimusi vari panzvimbo iyi vakanga vasingawirirane nepfungwa yekuitira musangano pamikova yavo, uyewo kuti mapurisa akanga asiri kuona mamiriro ezvinhu sekunge aikodzera kuti kuitwe musangano wakadai.

Mazuva adarika ayo bato rinopikisa iri rakanyimwawo zvakare mvumo yekuita misangano yaro Masasa kuChikomba, kuChiwanzamarara Marondera mudunhu reMashonaland East, nepanzvimbo yemabhizimusi yeChapfuche kuBeitbridge mudunhu reMatabeleland South.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio kuti zviri kumukuru wemapurisa mudunhu roga roga kuti zvinenge zvakakodzera here kuti obvumidza here musangano wakadaro kana kuti kwete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJack Robert Saunyama