Bato reCCC Rinosangana neGurukota rezveMitemo, VaZiyambi, Pamusoro peKuvandudzwa kweBhiri reMitemo yeSarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi (Columbus Mavhunga/VOA)

Chikwata chebato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, neChitatu chakaita musangano negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, chichipawo maonero ebato racho pamusoro pebhiri rekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo, reElectoral Amendment Bill.

Chikwata ichi, icho chaisanganisira munyori mukuru webato iri vari mumiriri wekuWadzana muparamende, VaChalton Hwende pamwe nemumiriri weBinga muparamende, VaPrince Dubeko Sibanda, chinonzi chakatorawo mukana uyu kusvitsawo gwaro reCCC riri maringe nemitemo yesarudzo, iro rinonzi nebato iri rinogona kushandiswa pasarudzo.

VaSibanda vanoti vakatambirwa zvakanaka chose naVaZiyambi kumahofisi avo muHarare, uye vakaonesana pamwe nekutora mukana wekuzeya gwaro rehurumende vachinongedza mavanofunga kuti munoda kugadziriswa, vakaitawo zvimwechetezvo negwaro rebato ravo.

Vanoti VaZiyambi vakati vachambonopirawo kuvakuru vebato ravo pamwe nemuhurumende vachimborovana masoro vozodzoka nemhinduro kuti vaonesane kuti vari kuenda kupi.

Studio yakundikana kubata VaZiyambi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPrince Dubeko Sibanda