Meya veHarare, VaMafume, Vanonyorera Chibvumirano Chekudyidzana kweMaguta naMeya veGuta Guru reBelarus reMinsk

  • Jonga Kandemiiri

Meya veHarare VaJacob Mafume

Meya veHarare, VaJacob Mafume, neChipiri vakanyorerana chibvumirano chekushandidzana kwemaguta nameya veguta reMinsk rekuBelarus, VaVladimir Kukharev.

Chibvumirano chekushanda pamwe ichi chakanyoreranwa muHarare umo mutungamiri weBlearus, VaAlexander Lukashenko, mamwe makurukota pamwe navanamuzvinabhizimusi vari kushanya munyika.

VaMafume vanoti chibvumirano chavo ichi chichaita kuti maguta avo adyidzane mune zvedzidzo, zvehutano pamwe nezvakasiyanasiyana zvinoita kuti Harare neMinsk dziwirirane.

Vanoti vanotarisira kuti guta ravo richadzidza zvakawanda kubva kuguta reMinsk, iro rinonzi iguta rakachena zvikuru uye rinofambiswa zvine hunyanzvi.

Chibvumirano ichi chimwe chezvibvumirano zvakawanda zvinonzi zvakanyoreranwa pasi pakati peZimbabwe neBelarus.

VaLukashenko vari kutarisirwa kupeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuZimbabwe nhasi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMeya veHarare VaJacob Mafume