SADC Yotarisirwa Kuita Musangano muWindhoek, kuNamibia, Nyaya dzezveMatongerwo eNyika neKugadzikana kweDunhu Dzichitarisirwa Kuzeyiwa

Sachigaro veSADC vari mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob

Sangano renyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSouthern African Development Community, SADC, riri kutarisirwa nhasi kuita musangano weExtra Ordinary Organ Troika Summit muWindhoek, kuNamibia, uko nyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nekugadzikana kwedunhu reSADC dziri kutarisirwa kuve pamusoro penhaurwa yemusangano uyu.

Nyika dzinonzi dzichakurukurwa nezvadzo dzinosanganisira Eswatini, Mozambique neD-R-C, idzo dzinonzi dzine kusagadzikana uye hondo.

Gweta rairwira kodzero dzevanhu muEswatini, VaThulani Maseko, vakapondwa svondo rapera, izvo zvakaita kuti sachigaro veSADC Organ on Politics, Defence and Security Cooperation, vari mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob, vanyore gwaro rekushoropodza chiitiko ichi uye kukurudzira hurumende yenyika iyi kuti iferefete zvizere kupondwa uku.

Kunyange hazvo vamwe vari kuti muZimbabwe hamuna kugadzikana zvichitevera kwavanoti kushungurudzwa kwevanopikisa hurumende, vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti havaoni Zimbabwe iri panyika dzichazeyiwa pamusangano uyu.

SADC in enyika gumi nenhanhatu dzinoti Angola, Botswana, Comoros, Democratic Republic of Congo, Eswatini, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, South Africa, Tanzania, Zambia neZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Ricky Munyaradzi Mukonza