Mutungamiri weZimbabwe Transformative Party, VaKanyenzura, Votsanangura Magariro Avo muHusungwa

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Transformative Party president Parere Kanyenzura

Muchikamu chedu chatinotarisa zvinosangana nevanhu muhupenyu, cheHupenyu Hwedu, nhasi tine hurukuro nemutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party, VaParere Kanyenzura, avo vakabuda kubva kujeri reHarare Remand Prison neChitatu uko vakagara kwemazuva anosvika zana nemakumi masere nemanomwe, kana kuti 187.

VaKanyenzura vakazoburitswa mushure mekupiwa mutongo wemwedzi mina vachiita mabasa ekusimudzira nharaunda, kana kuti community service paWarren Park 6 Primary School.

Asi vanoti magariro avo pamwedzi mitanhatu yavakanga vari muhusungwa yakave nguva yakaoma zvikuru, vachiti hugaro hwavo hwaive nematambudziko anosanganisira ekushaya chikafe chinokwana, kushaya mvura uye kushaya magumbe anokwanira vasungwa vose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaParere Kanyenzura