Sangano reERC Rinozeya Gwaro reKutarwa kweMatunhu neVemapato eZvematongerwo eNyika Pamwe neVemasangano Akazvimirira

  • Jonga Kandemiiri

VaSolomon Bobosibunu vesangano reElections Resource Centre.

Sangano rinoongorora nezvesarudzo, reElection Resource Centre, raita musangano nevemamwe mapato ezvematongerwo enyika, vemasangano akazvimirira, pamwe nenyanzvi dzinoongorora zvematongerwo enyika vachizeya pamusoro pegwaro rekutarwa kwematunhu rakaburitswa neZEC iro riri kuzeyiwa muparamende pari zvino.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reERC, VaSolomon Bobosibunu, vanoti chinangwa chavo change chiri chekuti vanzwewo pfungwa dzevamwe vane chekuita nenyaya dzesarudzo, uye vachanyorawo gwaro ravachasvitsa kuZEC neMuvhuro svondo rinouya pamusoro pezvavawana kubva mumusangano uyu.

Mapato anonzi apinda mumusangano uyu anosanganisira reCCC, MDC pamwe neNCA.

VaBobosibunu vanoti vakanga vakokawo bato reZanu PF pamwe neZEC asi havana kubudirira kuenda kumusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu